Mupfanha wepaKadoma

 

Makange  muri mubhazi reku Bulawayo, muine mumwe mupfanha. Saka
akaudza conductor kuti azomumutsa kana asvika muKadoma,  semunhu
aingokotsira-kotsira. Vava  paNorton, mupfanha uya akamuka achibva 
   ati kuna Conductor, "Tasvika here muKadoma". Zvikanzi naConductor,
"Iwe
mupfanha ndazvinzwa kudhara  ndichakumutsa." Vasvika paSelouse mupfanha
uye achibva ämuka akabvunza futi kuti vakange vasvika muKadoma here.
Conductor akamuti "Iwe mupfanha  ndakuudza kuti ndichakumutsa, wazvinzwaka"
Vava paChegutu achibva amuka futi achibvunza kana vasvika muKadoma.
Conductor akamushaudha futi. Mupfanha  uya achibva akotsira hake. Saka
bhazi rakazopfuura muKwekwe, nemuGweru mupfanha uya akakotsira chete.
Vava pakati peGweru ne Bulawayo mumwewo munhu akabva  ati, "Ah,
komupfanha weMuKadoma  azoburuka here patasvika muKadoma" Ndipo pavakaona
mupfanha uya achirimo." Saka Conductor naDriver vakange vaakuda kuti
mupfanha uya aburuke ipapo vanhu  vakacomplainer vachida kuti Bhazi
ridzokere kusvika kuKadoma kuye. Saka bhazi rakadzokera kuKadoma. Vasvika
muKadoma muya, zvikanzi na Conductor, "Mupfanha  chiburuka" Zvikanzi
nemupfanha uya, "Aiwa, ndiri kuenda kuBulawayo, ticket rangu ndere
kuBulawayo.
Ndanga ndanzi naamai kana ndasvika muKadoma  ndochizodya huku yavanga
vandigadzirira"